Rtd Lieutenant Gen. Moyo, VaChinamasa naVaMangudya Voyedza Kukwezva VeMabhizimi muAmerica

Dr Sibusiso Moyo

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika Doctor Sibusiso Moyo vari muNew York umo vari kutungamira chikwata cheZimbabwe kumisangano yakanangana nekuyedza kukwezva vekunze vanoda kutanga mabhizimisi munyika uye kusanganawo nezvizvarwa zveZimbabwe.

Vari kutarisirwawo kuita misangano nevamwe vakuru vehurumende yeAmerica kuyedza kuumbiridza hukama.

VaMoyo vari kufamba nemamwe makurukota anosanganisa gurukota rezvehupfumi vapatrick chinamasa uye gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya.

Dr John Mangudya

VaMangudya vanoti vekunze vanokwanisa kupinda muzimbabwe kuti vatange mabasa munyaya dzezvicherwa uye kurima.

Dr Moyo vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe yaparura gwara idzva munyaya dzezvehupfumi uye yave kuda vekunze vanouya kuzotanga mabhizimisi munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSibusiso Moyo