Masvingo Yopemberera Basa Idzva raVaMnangagwa

Vanhu Vazhinji Vakafarira Kugadzwa KwaVaMnangagwa

Vagari vemuMasvingo vapemberera kugadzwa kwemutungamiri wenyika wechipiri, VaEmerson Mnangagwa, vachiti vari kufarira kuti kwauya pfungwa itsva dzinogona kuchinja mararamiro evanhu anga ashata.

Kunyange dhorobha reMasvingo ranga rakati zii vanhu vachiita mabasa avo samazuva ose, vamwe vashandi vatora mukana uyu kusiya zvavanga vachiita kuenda kunzvimbo dzine zvivhiti vhiti uko kwavange vachiona VaMnangagwa vachigadzwa.

VaPeri Magarita vange vachiona chitiko ichi pachivhitivhiti chepahotera ye Chevron vanoti vafara zvikuru uye vanotarisira shanduko munyika.

VaMaxwell Ndokanga vanoti vanoshuvira kuti Mwari achatungamirira VaMnangagwa sezvo vanhu vazhinji vafarira kugadzwa kwavo.

Vanhu vazhinji vanoti kunyange hazvo mutunagmiriri mutsva akashanda kwenguva yakareba naVaRobert Mugabe vanopomerwa mhosva yekuwondonga nyika, vanoti VaMnangagwa vachapa mukana wepfungwa itsva kuti dzivake nyika.

VaKanganisayi Masere vanoshanda paChevron vati vanhu vakawanda vauya pahotera kuzopemebrera kugadzwa kwa VaMnangagwa vachimwa nekudya.

Vamwewo vataura neStudio7 vanoti kunyange vari kufarira kugadzwa kwaVa Mnangagwa, vari kufara vakavhura ziso rimwe nekuti havanyatsovimbi kuti vachachinja maitiro ebasa e Zanu PF muhurumende sezvo vaiva mumwe wa VaMugabe vakauraya Nyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Inobva Kuna Gandri Maramba