Muzvare Lynda Masarira Votaura Pamusoro peKusungwa neKuregererwa Kwavo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Muzvare Lynda Masarira naVaPatson Dzamara

Muzvare Lynda Masarira avo vakasunungurwa kubva kujeri reChikurubi nemusi weChipiri vanoti vachaenderera mberi vachiratidzira kunyangwe vaishungurudzwa vari mujeri.

Muzvare Masarira vakasungwa vachiratidzira kusafara kwavo nemamiriro akaita zvinhu munyika vakagara mujeri kwemazuva makumi masere. Vanoti vakashungurudzika nekusiya mhuri yavo yevana vashanu muduku wacho ane makore matatu.

Asi vanoti kushungurudzwa kwavo hakusi kuvaodza moyo."In ndicharamba ndichiratidzira nekuti zvinhu zviri kuramba zvichioma munyika uye vanhu vanoramba vachityisidzirwa asi ini handichatyi uye ndicharamba ndichiratidzira kusvika zvinhu zvasanduka," Muzvare Masarira vaudza Studio 7.

Vaenderera mberi vachiti apo vakange vari muhusungwa vakagariswa pavo vega kunzvimbo yaive nevarume senzira yekuvashungurudza nekuvatyisidzira sezvo vange vavhunza kuti seyi chikafu chevasungwa change charaswa nevaivachengetedza.

"Vana mbuya vaiti chengetedza vakarasa chikafu changu nechemamwe madzimai izvo zvakaita kuti tivhunze kuti seyi vange vari kutyora kodzero dzedu nekurasa zvekudya zvedu," Muzvare Masarira vaudza Studio 7.

Muzvare Musarira vanoti mararamiro anoita vanhu vari mumajeri vanofanirwa kuwongororwa sezvo zvinhu zvakadayi sechikafu zviri kupihwa vanoshanda munzvimbo idzi kuti vape vasungwa zvisiri kusvika. Studio 7 yayedza kunzwa kubva kuChikurubi asi nhare dzavo dzange dzisingadairwe.

"Chikafu nezvekubikisa zvinopihwa vanoshanda pajeri kuti vape vasungwa hachisvike kuvanhu ava uye taiwona vana ambuya vachitakura kuenda nacho kudzimba dzavo izvo zvairwadza vasungwa vese," Muzvare Masarira vaenderera mberi.

Muzvare Masarira vanomirira sangano re Zimbabwe Women In Politics Alliance nemamwewo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaMuzvare Lynda Masarira