Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vanoti havana hurongwa hwekudzora dhora remuZimbabwe kunyange hazvo vati vari kuparura mari yemabond notes anotangira pamadhora maviri kusvika pamadhora makumi maviri munguva pfupi inotevera.
VaMangudya vanoti zvavari kuita chete kuyedza kupedza dambudziko rekushomeka kwemari munyika uye kukurudzira kuti vanhu vagadzire zvinhu zvekutengesa kunze kwenyika kuti Zimbabwe iwane mari yekunze.
Asi vanoona nezvehupfumi mubato guru rinopikisa reMDC-T, VaTapiwa Mashakada, vati VaMangudya vari kubata vanhu kumeso uye zvavari kuita kudzora dhora remunyika sezvo hupfumi hwenyika hwaenda kumawere.
VaMashakada vati zvoitwa munongedzo wenyika isiri kutongwa zvakanaka, huori uye kutadza kugadzirisa hupfumi.
Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri webato rePeople’s Democratic Party uye vaimbova gurukota rezvehupfumi, VaTendai Biti.
VaBiti vati zviri kuitwa naVaMangudya zvichaendesa nyika kuna taisireva. Asi VaMangudya vaudza Studio 7 kuti vari kuyedza kugadzirisa nyaya yehupfumi uho husina kumira zvakanaka.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJohn Mangudya