Amai Makarau Vobvuma Kuti Chirongwa cheBVR Chine Zvinetswa

  • Blessing Zulu

Amai Rita Makarau sachigaro weZimbabwe Electoral Commission

Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau, vanoti matambudziko ari kusangana nevanhu vari kuvhota vange vakaatarisira sezvo chirongwa chavo chekunyoresa vavhoti chichiri kutanga.

ZEC yakatanga kunyoresa vanhu kuvhota nemusi weMuvhuro kunyange hazvo vamwe vari kuchema chema kuti havana ruzivo rwakakwana nezvechirongwa ichi.

Mimwe michina inonzi yange ichimboramba kushanda zvakanaka kumatunhu makumi matanhatu nematatu munyika yose.

Amai Makarau vasimbisawo kuti vanhu vanokwanisa kunyoresa nezvitupa zvesimbi uye vanofanira kuuya netsamba dzinoratidza kwavanogara kuti vakwanise kukurumidza kunyoreswa.

ZEC inoti inotarisira kuti muchina mumwe chete unge uchinyoresa vanhu makumi masere pazuva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hukuro naAmai Rita Makarau