Vamwe vaimbove varwiri verusununguko vechidzimai vanoti zuva rerusununguko rinovarwadza kuti vari pemberere nekuti zvavakange vachifunga kuti vakarwira, havasati vazviwana.
Mumwe wemadzimai aya, Amai Daphney Kanoti, vanoti madzimai mazhinji akarwa muhondo yerusununguko hapana zvavakawana uye vamwe vavo vari kunhonga svosve nemuromo zvichienzanisa nevanhurume vavaiva navo muhondo.
Amai Kanoti vanoti zvinorwadza kuti vafunge zvavakasangana nazvo muhondo vozoona hupenyu hwavari kurarama pari zvino kunyange havo vakakwanisa kuenda kuzvikoro zvepamusoro.
Amai Kanoti vanoti huwori nechizivano ndizvo zviri kuuraya nyika kunyanya kune avo vaive varwiri vehondo yerusununguko.
"Zvinorwadza kuti kana pasina waunoziva mumahofisi epamusoro hapana zvinokufambira kunyanya uri mumhukadzi zvikuru isu takarwa hondo yerusununguko. Pari zvino vamwe vedu vari kunhonga svosve nemuromo sezvo zvinhu zvakawoma uye kune huwori hunorwadza," Amai Kanoti vaudza Studio7.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naAmai Daphney Kanoti