Matongerwo eNyika VaLovemore Madhuku Vokwikwidza Musarudzo yeMutungamiri weNyika Chikunguru 16, 2018 Jonga Kandemiiri Mutungamiri weNCA, VaLovemore Madhuku Ona Mafungiro WASHINGTON D.C. — Mutungamiri we National Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vanoti ivo chete ndivo munhu anokodzera kuva mutungamiri wenyika sezvo vaine nhoroondo inozivikanwa. VaMadhuku vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, munhu akashanda navaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kwemakore makumi matatu nemanomwe, vachibatsirana kuondomora nyika. Vanotiwo mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, havana nhoroondo yekutungamira mune zvakawanda. Your browser doesn’t support HTML5 Hurukuro naVaLovemore Madhuku