Vamwe Vokwira kuMatare Vachiti Hutungamiri hwaVaEmmerson Mnangagwa Hahusi paMutemo

President Emmerson Mnangagwa

Imwe nhengo yebato reZanu-PF, VaSybeth Musengezi, vakakwira kudare repamusoro, reHigh Court, vachiti musangano wechimbichimbi, wakaitwa neCentral Committee yeZanu-PF muna 2017 ukapinza VaEmmerson Mnangagwa pahutungamiri, wakanga usiri pamutemo, naizvozvo hutungamiri hwaVaMnangagwa hahusi pamutemo.

VaMusengezi, avo vane makore makumi matatu nematanhatu, vanoti vava nemakore makumi maviri vari nhengo yeZanu-PF uye vanoda kuti dare repamusoro rirase zvakabvumiranwa mumusangano uyu, uyo wakaitwa musi weSvondo, 19 Mbudzi 2017, vachiti vanhu vakadoma VaMnangagwa kuti vave mutungamiri webato reZanu-PF vakange vasina kodzero yekudoma VaMnangagwa kana kusheedza musangano uyu, vachiti, naizvozvo hutungamiri hwaVaMnangagwa hahusi pamutemo sezvo pakatyorwa mitemo yeZanu-PF.

VaMusengezi vanotiwo anhu vasingazikanwi uye vanga vasina mvumo yekuita zvose izvi, vanosanganisira VaPatrick Chinamasa naVaObert Mpofu, vakasheedza musangano wechimbichimbi uyu zvisiri pamutemo.

Nyaya iyi haisati yanzvikwa nedare redzimhosva.

Nyanzvi munyaya dzezvemutemo, vachishanda mudunhu reTexas, VaKennedy Masiye, vanoti zvinotaurwa naVaMusengezi zvine chokwadi mukati kana tichitarisa mitemo yeZanu-PF.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKennedy Masiye

Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti zviri kutaurwa naVaMusegezi marara oga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi