Zimbabwe Yokurukurwa kuMusangano weAfrican Commission kuMauritania

Zimbabwe Political Turmoil

Zimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, yaudza musangano wekomishini yekodzero dzevanhu muAfrica uri kuitirwa kuMauritania kuti Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa zvinhu zvizhinji sarudzo dzisati dzaitwa.

Mutauriri weZLHR, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio 7 kuti zvakaitwa nemauto gore rapera zvinofanira kugadziriswa kuitira kuti hurumende idzokere zviri pamutemo.

VaMafunda vanoti mitemo yose inodzvanyirira vanhu inofanirwawo kubviswa sarudzo dzisati dzaitwa.

“Tine shungu dzokufarawo kana paitwa zvakanaka asi tinoramba tichichema chema nenyaya dzekugadzira mitemo kuti ienderane mebumbiro remitemo yenyika. Apa ndinoreva mitemo yakaita seElectoral Act, nemitemo yevatori venhau yakaita seAIPPA nePOSA ngaiende,” vadaro VaMafunda.

Musangano weAfrican Commission on Human and People’s Rights unopera musi wa 9 Chivabvu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda