Magweta Anoti Kudzingwa kwaVaMnangagwa Kuri paMutemo

  • Blessing Zulu

Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti pachitariswa bumbiro remutemo wenyika nerebato reZanu-PF, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vane masimba ekudzinga vatevedzeri vavo chero nguva.

Gweta uye vachimbomirira VaMugabe mune dzimwe nyaya, VaTerrence Hussein, vati bumbiro remitemo yenyika riripo pari zvino rinoratidza kuti zvaitwa naVaMugabe zviri pamutemo.

Mashoko aya atsinhirwawo nemutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, uye vari gweta, VaObert Gutu, avo vakamboita mutevedzeri wegutukota rezvemitemo muhurumende yemubatanidzwa.

VaGutu vati zvekuti mutevedzeri abviswe pasumwa matare eparamendee House of Assembly neSenate, zvinoitwa chete muna 2023.

Vachitaura neStudio 7 papera musangano wekuzivisa kudzingwa kwaVaMnangagwa muhurumende, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaSimon Khaya Moyo, varamba kupindura mibvunzo yakanangana nekuti VaMnangagwa vadzingwa zvekare here kana kuti kwete mubato reZan-PF.

Asi rimwe gweta uye vari mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vati VaMugabe vanogona kudzinga VaMnangagwa kongiresi yebato isati yatomboitwa muna Zvita.

Munyori mukuru wesangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Assocoiation, VaVictor Matemadanda, vati zviri pachena kuti VaMugabe havadi kushanda nevarwi vehondo yerusununguko.

VaMatemadanda vatiwo VaMnangagwa vanofanira kukwikwidzana naVaMugabe musarudzo dzegore rinouya.

Hatina kukwanisa kubata VaMnangagwa mbune kuti tinzwe divi ravo.

Asi mwana wavo, Emmerson Mnangagwa Junior, ati pari zvino baba vake havasi kutaura.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu