Guta reKwekwe Rinosarudza Munhukadzi saMeya

  • Blessing Zulu

Guta reKwekwe kekutanga rakasarudza munhukadzi sameya kubva nyika yawana kuzvitonga.

Guta reKwekwe rakaita zvisati zvamboitwa munhoroondo yaro kubva nyika zvayakawana kuzvitonga kuzere nekuvhotera mudzimai kuti aite meya weguta.

Amai Angeline Kasipo, vanova kanzura wewhadhi 10 ndivo vakasarudzwa kuti vatungamire guta riri mudunhu reMidlands kwemakore mashanu anotevera.

Amai Kasipo vanoti zvematongerwo enyika zvakangofana nemamwe mabasa uye zvinhu zvavanofarira.

Madzimai mashoma munyika ari kupinda musarudzo dzekuti vange vari nhengo dzedare reparamende kana makanzura.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Angeline Kasipo