Madzimai nevasikana makumi matatu nevaviri vanga vari muhunhapwa kuKuwait vari kutarisirwa kudzokera kumusha neChishanu.
Izvi zvataurwa nemutauriri wedare reparamende, Va Jacob Mudenda, avo vakasvika muKuwait neChipiri umo vari kushanya nedzimwe nhengo dzeparamende.
VaMudenda nevamwe vavo vari kuda kuona mafambisirwo anoitwa mabasa eparamende munyika umu.
Asi VaMudenda vapfura shiri mbiri nedombo rimwe chete sezvo vakakwanisa kusangana nevanhukadzi vakatiza hunhapwa mushure mekunyeperwa kuti vachanoita mabasa epamusoro munyika iyi.
VaMudenda vaudza Studio7 kuti vakwanisa kuita nhaurirano nehurumende yeKuwait kuti mamwe madzimai nevasikana ava vadzokere kumusha navo neChishanu.
Madzimai nevanasikana vane chitsama vanonzi vakaenda kuKuwait vachinoshava asi zvinhu zvakazovashatira vasvika ikoko vamwe vavo vachishandiswa zvisina zororo nekubhinwa.
"Taudzwa nemumiriri weZimbabwe umo muno muKuwait kuti pane vanasikana nemadzimai vange vachishandiswa senhapwa uye vamwe vacho vachibhinyiwa izvo zvaita kuti tiite hurukuro nevakafanobata basa remutungamiri wenyika ino uye vari ivo vanoona nezvekudyidzana kweKuwait nedzimwe nyika kuti tikwanise kudzokera nevana vedu kumusha," VaMudenda vaudza Studio7.
"Tinofara kukuzivisayi kuti mushure menhaurwa idzi takwanisa kuwana rutsigiro kubva kune shamwari dzedu muno muKuwait nekumusha kuti tikwanise kutengera madzimai vanosvika makumi matatu nemaviri matikiti ekuti vadzokere kumusha nesu neChishanu," VaMudenda vaenderera mberi.
VaMudenda nevamwe vavo vari kupedza kushanya kwavo muKuwait neChishanu umo vanoti vakakwanisa kufamba zvakanaka uye vakadzidza zvakawanda kubva kune dzimwe nhengo dzeparamendo dzemunyika iyi.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVa Jacob Mudenda