Mumwe musikana wechidiki ange ari kushanda semusikana wemumba kuKuwait uko ange achibatwa semuranda anoti akakwanisa kutiza neSvondo mushure mekuwana rubatsiro kubva kumuzinda weZimbabwe uri munyika iyi.
Musikana uyu anoda kuzivikanwa nezita rekuti Muzvare Chipo Sanyika sezvo ari kutya kuzotadza kubudirira kuenda kumusha kana zita rake chairo rikazivikanwa.
Muzvare Sanyika vanoti shuwiro yavo ndeyekudzokera kumusha uye pari zvino vari mushishi rekutsvaga mari yekutenga tikiti sezvo mhuri yavo kumusha isina chekubata kuti imubatsire.
"Ndakakwanisa kutiza negwaro rangu rekufambisa (passport) izvo zvinoita kuti ndikwanise kudzokera kumusha chimbi chimbi kana ndikawana tikiti rekudzokera kumba. Mai vangu pari zvino havasi kukwanisa kubatsira sezvo zvinhu zvakavawomerawo," Muzvare Sanyika vaudza Studio7.
Muzvare Sanyika vanoti vakawana basa ravo kubva kune vamwe vanhu vaizviti ma "agents" muHarare asi vakanyeperwa kuti vachange vachitambira mari svinu. Asi pavakasvika kuKuwait hupenyu hwakatanga kuvawomera sezvo vangevachibatwa sechikorobho.
"Ndanga ndakaudzwa kuti ndichashanda munzvimbo yekudyira ndichipihwa mari svinu asi pandakasvika ndakaendeswa kune imwe imba hombe ndisingambozive kuti ndiri kupi uye pane vana vazhinji nebasa rakawanda apa ndainyimwa zvekudya zvakakwana nekubatwa senhapwa," Muzvare Sanyika vaenderera mberi vachiudza Studio7.
Zvizvarwa zve Zimbabwe zvinodarika mazana maviri zvinonzi zvakanyeperwa nemakoronyera emuHarare aiti aivatsvagira mabasa Kuwait apamusoro asi vainzi vaizowanikwa vachipinzwa muhunhapwa kana kuitiswa mabasa ehupfambi.
Mamwe masangano anorwira kodzero dzemadzimai svondo rapera akaratidzira muHarare vachishora zviri kuitika kumadzimai anenge avimbiswa basa kunyika dzinenge Kuwait nedzimwewo.
Zimbabwe Human Trafficking Protest ZIWPO
Vamwe vemadzimai nevasikana ava vanonzi vari kuti vacharamba vari munyika iyi kunyangwe vakatarisana nematambudziko akasiyana siyana sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka kumusha.
Asi Muzvare Sanyika vanoti vanononga zvavo svosve nemuromo vari kumusha nekuti mafuro manyoro avaifungira kuti vachawana kuKuwait avazvimbira.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro NaMuzvare Chipo Sanyika