Nyika Inoyeuka Zuva reKushaya kwaMushakabvu, VaJoshua Nkomo

  • Jonga Kandemiiri

Vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoshua Nkomo vakashaya musi wa01 Chikunguru 1999.

Musi wa 01 Chikunguru gore roga roga izuva rakakosha zvikuru sezvo nyika yose ichi cherechedza zuva rakashaya rimwe remagamba makuru enyika, VaJoshua Mqabuko Nkomo.

Mukucherechedza zuva iri, vanhu vakawanda vafora mumigwagwa muBulawayo vachiitawo mitambo yakasiyanasiyana senzira yekucherechedza nayo mabasa akabatwa negamba guru iri munguva yavo yekurarama.

Vakawanda munyika vari kukurudzira kuti dai hurumende yawedzera ruremekedzo rwainopa kunaVaNkomo kuburikidza nekuita zuva rekushaya kwavo zororo renyika yose.

VaNkomo, avo vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika panguva yavakashaya, vakaberekwa mugore ra1917, vakazotangawo zvematongerwo enyika, izvo zvakazoita kuti vaumbe bato reNational Democratic Party muna 1960.

Mushure mekubhanwa kwebato iri, VaNkomo nevamwe vavo vakazoumba bato reZimbabwe African People’s Union, ZANU, iro rakazorambidzwa zvakare nehurumende yaivepo yaVaIan Smith, vaive mutungamiri weRhodesia, muna 1962.

Muna 1964 vakazosungwa pamwechete nevamwe vanosanganisira VaNdabaningi Sithole, VaEdgar Tekere, VaEnos Nkala, VaMaurice Nyagumbo pamwe naVaRobert Mugabe, vakagara kujeri reGonakudzingwa kwemakore gumi vakazoburitswa muna1974.

Bato ravo reZAPU rakaramba richirova hondo richibva nekuZambia kusvika nyika yazowana kuzvitonga, VaNkomo vakave gurukota rezvemukati menyika muhurumende itsva yaitungamirwa naVaRobert Mugabe veZanu PF semutungamiri wehurumende.

Mapato maviri aya akozotadza kuwirirana zvichitevera kupandukirwa kwehurumende nevamwe vaive vakapakata zvombo kumatunhu eMatabeleland neMidlands kubva muna 1982 kusvika muna 1987 apo vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vanonzi vakaurayiwa mumatunhu aya.

Vakazobatana kuumba bato reZanu PF VaNkomo vachizove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaMugabe vari mutungamiri wenyika.

Rimwe remagamba ehondo yeChimurenga, uye vaive mumwe wevakuru vemauto e ZANLA, VaBernard Manyadza, avo vaizivikanwa nereChimurenga rekuti Parker Chipoyera, vanoti VaNkomo havana kupinda muhurumende yemubatanidzwa naVaMugabe nekuti vaitya kana kuti vaibvuma kuti ndivo vaive nevapanduki vairwisa hurumende kwete.

Vanoti semunhu aida runyararo, vakaona zvakakosha kuti vatore nzira yaizomisa kuurayiwa kwevanhu.

VaNkomo, avo vaizivikanwawo nemazita anosanganisira rekuti Chibwechitedza, kana Father Zimbabwe, vakashaya musi wa 01 Chikunguru 1999 vave nemakore makumi masere nemaviri ekuberekwa, vakaradzikwa pamarinda emagamba eHeroes’ Acre muHarare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBernard Manyadza