Dare rinotonga nyaya dzekunetsana pakati penyika nenyika kana makambani riri muAmerica re International Centre for Settlement of Investment rakapa mutongo wekuti Zimbabwe inofanira kubhadhara vamwe varimi wekuGermany vakatorerwa munda mari inosvika zana nemakumi mapfumbamwe.
Varimi ava vanosanganisa VaBernhard von Pezold uye vanoti kutorwa kweminda yavo kwakayora chibvumirano pakati peZimbabwe neGermany zvinofanira kuchengetedzwa.
Zvichakadaro, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vakazivisa kuti hurumende yavo haina mari yekuzadzisa chivimbiso chayo chekuti hurumende ichabhadhara varimi vechichena vakatorerwa minda munguva yechirongwa chekudzosera ivhu kuvatema, icho chakanga chakazarawo nemhirizhonga.
Muzvinafundo Ncube vanonzi vakati hurumende yavo yakakwanisa kuisa mari inoita mamiriyoni makumi mashanu nematatu emadhora parutivi mubhajeti ra 2019, asi vachida mari inoita mabhiriyoni mapfumbamwe emadhora kuti vakwanise kubhadhara vachena ava mari dzezvivakwa zvaive pamapurazi avo akatorwa nehurumende.
Gurukota rezvemari iri rakati hurumende iri kuita hurukuro nevanokweretesa mari vekunze nevamwe iine tarisiro yekuunganidza mari iyi.
Asi nyanzvi mune zveupfumi, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti hurumende inofanira kuzadzisa chibvumirano chainenge yaita.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaMasimba Kuchera