Nyika Yopemberera Kuzvitonga Vamwe Vachiti Ichiri muHunhapwa Mune zveUpfumi

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachibatsidza rimi remoto werusununguko gore rapera kunhandare yeNational Sports Stadium.

Mhuri yeZimbabwe nemusi weChina iri kupemberera makore makumi matatu nemapfumbamwe yawana kuzvitonga kubva kuBritain, asi vamwe vanoti hapana chikuru chekupemberera sezvo vanhu vasati vawana rusununguko mune zveupfumi.

Rimwe gamba rehondo yerusununguko, VaBernard Manyadza, avo vaizivikanwa nerekuti Parker Chipoyera munguva yehondo yeChimurenga, vanoti vana veZimbabwe vachiri kurwisana nehondo yekuti vabude muhurombo hwavanoti hwakakonzerwa nehuwori pamwe nekutadza kutonga hwehurumende yeZanu PF kwemakore akawanda.

VaManyadza, avo vaivewo mumwe wevakuru vemauto eZanu, eZanla, vanoti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haina zvayati yaitira vanhu zvinovaburitsa mumatambudziko ezvehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika avanoti akasiiwa nehurumende yaVaRobert Mugabe, avo vakabviswa pahutongi nemauto muna Mbudzi 2017.

Vanoti hurumende iripo iye zvino hainganzi ihurumende itsva sezvo vatungamiri vose vaivepo munguva yaVaMugabe, vachiti chakangoshanduka chete zviso zviri pachigaro.

VaManyadza vanoti chinofanirwa kuitwa hurwiswa kwehuwori pamwe nekutorera matanho avo vari kuwondomora hupfumi hwenyika vachidya voga ruzhinjni rwuchinonga svosve nemuromo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBernard Manyadza