Kuvhenekwa kweVanhu Mudunhu reMidlands Kobidisa Vazhinji Vaine Covid-19

  • Jonga Kandemiiri

Sinopharm coronavirus vaccine

Imwe nyanzvi mune zvehutano uye vaimbove gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti kuwedzerwa kwehuwandu hwevanhu vavekuvhenekwa kuona kana vaine hutachiwana hweCovid-19 mudunhu reMidlands kuri kubatsirawo zvikuru mukuburitsa huwandu hwevanhu vanenge vabatwa neCovid-19.

Izvi zvinouya panguva iyo hurumende yawedzera, nesvondo mbiri, mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu, kana kuti lockdown, muKwekwe, guta riri muMidlands, zvichitevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vanonzi vari kubatwa nechirwere checovid-19 muguta iri.

Svondo rapera vana vezvikoro zvakasiyanasiyana vanonzi vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Henry Madzorera