Vamwe Vanoti VaMugabe Vaifanirwa Kusiya Vagadzirisa Nyaya yeGukurahundi

Bhokisi rina VaRobert Mugabe mumba mavo yeBlue Roof, muHarare

Muhupenyu hwavo nemurufu, vaimbove mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe, vanokonzera mutauro muvanhu vakasiyanasiyana.

Vamwe vanovaona segamba guru asi vamwe vachivaona semunhu aiva nemoyo wakaipa.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti VaMugabe vaifanirwa kugadzirisa nyaya yeGukurahundi vasati vafa nekuti inyaya yakapesanisa marudzi naizvozvo vaifanirwa kuigadzirisa. Vanoti parizvino vanhu havana kunyatso garisana pamusoro penyaya iyi.

Kunonzi vanhu vanopfuura makumi maviri ezviuru vakaurawa munguva yeGukurahundi, vazhinji vavo vari verudzi rweNdebele.

Vanodzidzisa zvematongerwo enyika paWellesley College kuMassachusetts, Doctor Chipo Dendere, vaudza Studio 7 kuti pane zvizhinji zvakasiyiwa zvisina kugadziriswa naVaMugabe, zvinosanganisa nyaya ye Gukurahundi nenyaya yevhu, vachiti izvi zvasara mumaoko emutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vazvigadzirise.

Doctor Dendere vanoti VaMugabe nebato ravo vakarasika pavakatanga kusakudza vanhu, vave kuda zvemari nekudzika mutemo wekuti muZimbabwe muite bato rezvematongerwo enyika rimwe chete.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere