VaMnangagwa Vonamatirwa neVatsigiri Vavo muHarare

  • Blessing Zulu

VaEmmerson Mnangagwa

Vamwe vatsigiri veZanu-PF vari kudivi remumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vari kurwara vari muchipatara chekuSouth Africa vakasangana muHarare nemusi weChina vachivanamatira pedyo nemuzinda webato iri.

Pange paine kufungidzirwa kuti VaMnangagwa vakaisirwa muchetura muchikafu kumusangano weZanu-PF kuGwanda nemusi weMugovera.

Asi gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaChristopher Mushowe vanoti aya manyepo szvo vanachiremba vavo vanoti vakadya chikafu chainge chagarisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Vatsigiri vaVaEmmerson Mnangagwa vachivanamatira