Nhengo dzeMDCT dzakabatwa nemhosva yekuponda mupurisa mumusha weGlen View muHarare muna 2011 nhasi dzakumbira kunzwirwa tsitsi nedare kunyangwe hazvo dzichiri kutsika madziro dzichiti hadzina mhosva yadzakapara.
Muchuchisi wehurumende panyaya iyi, VaEdmore Nyazamba, vakurudzira dare kuti ritongere rufu vasungwa vanoti VaTungamirai Madzokere, Muzvare Yvonne Musarurwa pamwe naVaLast Maengehama avo vakabatwa nemhosva yekuponda Assistant Inspector Petros Mutedza pamhirizhonga yakaitika muna 2011 pakati pemapurisa nevechidiki veMDCT.
VaNyazamba vati chiitiko ichi chakakanganisawo pfungwa dzevanhu vakawanda vakaona izvi zvichiitika vanosanganisira vana vadiki pamwe nevanhuwo zvavo vasinei nezvematongerwo enyika.
Asi rimwe remagweta evasungwa ava, Amai Beatrice Mtetwa, vati vasungwa ava havana mhosva yavakapara uye vati mukupa mutongo, dare rinofa kutarisa kuti humbowo hwakasvitswa kudare hauburitse pachena kuti ngana ndiye akakanda dombo rakatema VaMutedza zvakazokonzera kuti vafe.
Vaenderera mberi vachiti mutongo wakaturwa nemutongi wedare VaChinembiri Bhunu unoita sekuti imhosva kuti munhu anzi inhengo yeMDCT nepamusana pekuti hazvisi kubuda pachena mumutongo wavo kuti nhengo dzeMDCT dzakabatwa nemhosva yekuponda iyi dzakanyatsoita chii chaizvo chakakonzera kuti VaMutedza. Zvichakadai, Amai Mtetwa vakurudzira dare kuti mumtongo wango ribude pachena kuti hurumende inofanira kuferefeta nyaya dzevanhu vese vanonzi vakapondwa pamwe nekushayikwa zvinechekuita nezvematongerwo enyika vachiti vamwe vanhu varikupomerwa mhosva dzekuponda vari kungoswerombeya nemigwagwa vasina zvavari kuitwa zvinopedzisira zvaita sekuti mutemo une vamwe vanhu vaunoshandisirwa.
Amai Mtetwa vatiwo bumbiro remitemo idzva haribvumidzwe kuti munhukadzi atongerwe rufu sezvakumbirwa naVaNyazamba; naizvozvo vati Muzvare Musarurwa havafanire kutongerwa nyangwe zvodii.
Amai Mtetwa vatiwo vasungwa ava vakagara mujeri kwemakore anoda kusvika kumatatu nyaya iyi ichizeyewa mumatare saka vanofanirwa kutorwa sevanhu vakatombopika.
Zvichakadai, mutongi wedare, VaBhunu, vatambira chikumbiro chasvitswa kudare nemagweta evasungwa ava chekuti VaPhineas Nhatarikwa, avo vakabatwawo nemhosva yekubatsira VaMadzokere naMuzvare Musarurwa kubva panzvimbo yakaparirwa mhosva, vabuditswe muhusungwa.
Amai Mtetwa vati hazvikodzere kuti VaNhatarikwa, avo vanove mutyairi weMDCT vabatwe nemhosva iyi sezvo vaive munhu aiita basa rake panguva yaakasungwa. VaBhunu vabvuma chikumbiro chekuti VaNhatarikwa vabuditswe muhusungwa vakamirira kupihwa panyaya iyi.
Zvichitevera zvasvitswa kudare nemagweta ari kumirira vasungwa, VaBhunu vati nyaya iyi ichadzoka mudare musi wa19 mwedzi uno pavachatura mutongo wekuti vanhu ava vanogara mujeri kwenguva yakareba zvakadii.
Imwe nhengo yeMDCT yanga iri mudare ichinzwa nyaya iyi, VaSimon Mpande, vati varikuwona sekuti VaBhunu vane divi ravakarerekera pakutongwa kwenyaya iyi.
VaSydney Chisi avo vanoshanda nesangano reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe kana kuti Yidez vati vanowona sekuti nyaya iyi inyaya yakatongwa kare pasiri kutariswa humbowo hwakasvitswa kudare.
Khupe
Mudare nhasi manga makazara kuti maku nevatungamiri veMDCT vanga vachisanganisira vatevedzeri vaVaMorgan Tsvangirai muMDCT vanoti Muzvare Thokozani Khupe, VaNelson Chamisa naVaElias Mudzuri.
Vamwewo vanga vari mudare vanosanganisira mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume pamwe nenhengo dzeparamende dzeMDCT dzakati wandei.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi