Vanotengesa muMigwagwa Vanoti Havasi Kuzovhunduka Masoja

  • Blessing Zulu

Zimbabwe Vendors

Mutungamiri werimwe sangano revanotengesa zvinhu mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana kuti (VISET) VaSamuel Wadzai Mangoma vanoti havasi kuzovhunduka mashoko egurukota rezvematunhu VaJuly Moyo ekuti vakumbira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika Retired General Constantino Chiwenga kuti mauto abatsirane nemapurisa mekanzuru kubvisa vanotengesa mumigwagwa.

VaMoyo vakapa vanotengesa mumigwagwa ava mazuva maviri ekuti vange vabuda mumigwagwa.

Asi VaWadzi Mangoma vanoti hurumende haina kana kumboyedza kugara navo pasi kuti vaone kuti dambudziko iri ringagadziriswe sei.

Nyaya yekushandisa mauto yakamboitwawo panguva yeOperation Restore Legacy asi zvakakona n'anga murapwa achida.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyaya yehupfumi husina kumira zvakanaka iri kupa kuti vanhu vakawamda vagume vaenda kunotengesa zvinhu mumigwagwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSamuel Wadzai Mangoma