Sangano reConfederation of Zimbabwe Retailers riri kukurudzira hurumende kuti isimbaradze mitemo inodzivirira vemabhizimisi vemunyika kuti vakwanise kuita basa pasina kukanganiswa nevekunze vanopinza zvinhu munyika pasina mari yemitero yakakura yavanobhadhara.
Izvi zvinonzi nesangano iri zviri kukonzera kuti mabhizimisi emunyika atadze kushanda zvakanaka achizoguma avhara vanhu vakawanda vachirasikirwa nemabasa.
Asi zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zviri kukurudzira hurumende kuti idzikise mutero kuti zvikwanisewo kutumira zvekudya kuZimbabwe iko kune nzara.
Zvizvarwa zveZimbabwe izvi zviri kuda kuendesa tsamba yenyunyuto kumuzinda weZimbabwe KuSouth Africa.
Sangano reConfederation of Zimbabwe Retailers riri kuitawo musangano mwedzi unouya rakabatana nereRibal Brand Solutions kuzeya zvingaitwa kusimudzira mabasa munyika.
Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenfrod Mutashu vanoti zvakakosha kuti mabhizimisi emuZimbabwe adzivirirwe nehurumende kunyangwe dzimwe nyika szakaita seSouth Africa dziri kuti maitiro aya anokanganisa kudyidzana kwakanaka zvinozokonzera hondo yemitengo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDenford Mutashu