ZIMRA Inoti Mari yeMutero Yowedzera

  • Blessing Zulu

Zimbabwe Revenue Authority kana kuti ZIMRA inoti mari yemutero yawedzera nezvikamu makumi maviri nemapfumbamwe kubva muzana kana kuti 29% kusvika pabhiriyoni imwe nezviuru zana rimwe chete kana kuti US$1,1 billion mumwedzi mina yekutanga kwegore.

Mumashoko kuvatori venhau, sachigaro weZIMRA Amai Wilia Bonyongwe vakati mari yemutero iyi yakawanda kudarika gore rapera panguva imwe chete.

Gore rapera rose, mari yemitero yakange iri mabhiriyoni matatu nemazana makumi mapfumbamwe nemasere kana kuti US$3,98 billion.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Elliot Masocha vanodzidzisa paDevry University kuOhio muno muAmerica.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha