Zimbabwe Ingadzore Dhora Rayo seNzira Inovandudza Hupfumi?

  • Blessing Zulu

VaPatrick Chinamasa

Zimbabwe yasvika pamhararano panyaya yekuyedza kugadzirisa hupfumi hwenyika uho hworamba huchienda kumawere.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti Zimbabwe inofanira kutanga kutaura nyaya inonzi nevamwe inoyera yekuti padzorwe dhora remuZimbabwe. Asi vamwe vanoti kuita izvi kukokera mhepo wakatakura mamera mutswanda.

VaChinamasa vanoti kusimba kwedhora reAmerica nekushaya simba kwe rand rekuSouth Africa zvapa kuti hupfumi hweZimbabwe hutatarike uye zvipe kuti hupfumi hwenyika hurambe huchienda kumawere.

Vanoti nyika dzakaita seChina neSouth Africa dzave kutengesa zvinhu zvakachipa munyika zvopa kuti maindasitiri emunyika atatarike.

Vaimbotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti Zimbabwe inofanira kudzikisa mitengo yezvinhu zvose kubva kumagetsi kusvika kumihoro nezvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana kana ichida kuti zvinhu zvigadzikane.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti Zimbabwe inofanira kugadzirisa zvinhu zvikuru kunyaya dzekurima nekupa vanhu magwaro akaita sema tittle deeds kuti vakwanise kukwereta mari kumabhanga.

Vatiwo Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa zvinhu kumakambani ehurumende ayo asiri kushanda zvakanaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaProsper Chitambara naVaCallisto Jokonya