Zimbabwe Citizens Initiative Inoparura Chirongwa cheZiso App

  • Jonga Kandemiiri

Sachigaro weZimbabwe Citizens Initiative, VaPromise Sande

Sangano rezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika pamwe nemunyika reZimbabwe Citizens Initiative neChipiri rakaparura chirongwa chekufumura nacho zviitiko zvekusngurudzwa kwevanhu kuburikidza ne App inonzi Ziso/Ilihlo.

Chirongwa ichi, icho chinenge chichishandisa dandemutande, chinonzi chicharerutsira vanhu vanenge vashungurudzwa kana kuona zvichiitika kuti vazivise veruzhinji zvisina kumbunyikidzwa.

Sachigaro weZimbabwe Citizens Initiative, VaPromise Sande, avo vari muAmerica, vanoti vakatora danho iri nekuona kushungurudzwa kunoitwa vanhu munyaya dzezvematongerwo enyika, pangava pakupiwa chikafu, kana munguva dzesarudzo.

VaSande vanoti kushungurudzwa kwevanhu kuzhinji kwanga kusingaburitswe pachena nechikonzero chekuti vanhu vanga vasina nzira dzekumhan’gara kana kuburitsa nadzo zviitiko izvi.

Vanoti chirongwa chavo ichi chinobatsira vanenge vashungurudzwa ava nekumbovapa pekupotera, kuvabatsira nemagweta nezvimwe zvakasiyanasiyana.

VaSande vanoti sangano ravo rinenge riine vanhu vachaongorora zviitiko zvinenge zvaziviswa mumatunhu ose aya zvisati zvashambadzwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPromise Sande