Komiti yeParamende Inotanga Kunzwa Nyaya yeVashandi veImmigration Dept

  • Blessing Zulu

Beitbridge Border Post

Vashandi vekuboka rezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika kana kuti Department of Immigration vanoti vari kufara kuti komiti yedare reparamende inoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu yatanga kuzeya nyaya yavo yavari kupomera vakuru vepabasa mhosva yekutyora kodzero dzavo uye kuita zvehuori.

Vashandi vazhinji vakadzingwa basa muboka iri nezvikonzero zvavanoti hazvina kunyatsoti tsvikiti. Asi vakuru veboka iri vanoti vashandi vakadzingwa basa zviri pamutemo.

Nemusi weChipiri komiti yeparamende iyi yakatokoka vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaObedingwa Mguni, avo vanonzi vakazopa humbowo hwavo kukomiti iyi neChitatu.

Mumiriri wevashandi veboka iri, VaNkosana Mtunzi vanoti sevashandi vanofara kuti nyaya dzavo dzazotanga kunzwikwawo. Vanoti VaMguni vaudza komiti iyi kuti vakatambira zvichemo zvevashandi izvi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNkosana Mtunzi