VaMnangagwa Vokurudzirwa Kubvisa Mutongo weRufu

Mutungamiri wenyika, Va Emerson Mnangagwa

Masangano anorwira konzero dzevanhu munyika anoti ane tarisiro yekuti
mutungamiri wenyika mutsva, VaEmmerson Mnangagwa,
vachazadzisa chishuwo chavo chekuti mutemo wekutongera munhu rufu
ubviswe zvachose.

Mukuru weZimrights, VaOkay Machisa, vanoti vane tarisiro yekuti
VaMnagwagwa vachazadzisa chishuwo chavo chekuti mutemo wekutongera
munhu rufu ubviswe sezvo vave ivo vave panyanga

Izvi zvinotsigirwa nemukuru weAmnesty International muZimbabwe,
VaCousin Zilala, avo vanoti vane tarisiro yekuti VaMnangagwa
vachakurumidza kubvisa mutemo wekutongera munhu rufu sezvo
vachizivikanwa kuti mumwe wevanhu vari muhurumende vanopokana nemutemo wekutongera munhu rufu.

VaZilala vanoti inguva yaVaMnangagwa yekuzadzisa zvavaigara vachitaura
kuti mutemo uyu vakauvenga zvakanyanya, yakwana sezvo vava nemasimba anodarika avakanga vanawo vachishanda vari pasi paVaMugabe.

VaMnangagwa vanozivikanwa kuti havadi mutemo wekutongera munhu rufu sezvo ivo vakapona nepaburi retsono kuurayiwa apo vakatongerwa rufu nehurumende yevachena mushure mekubatwa nemhosva yekuda kupidigura hurumende yevachena nechisimba.

Vachangosiya chigaro chemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabvuma masvondo mashoma apera kuti hurumende yavo yainge iyine maonero maviri panyaya yekutongera munhu rufu.

Vachitaura kumarinda epanovigwa magamba, VaMugabe vakaudza vanhu kuti ivo naVaMnangagwa vane maonero akasiyana panyaya iyi vachiti ivo
vanofarira kuti vanhu vatongerwe rufu vakati VaMnangagwa havawirirane nepfungwa yavo.

Kunyange mutemo wekutongera munhu rufu usati wabviswa munyika pave
nemakore anosvika gumi pasati paurayiwa kana mumwe zvake pane vanhu vanodarika makumi matanhatu vakatongerwa rufu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa