Veruzhinji Vokurudzirwa Kuti Vatore Mishonga Yema ARV's Pachine Nguva

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Vanorarama nehutachiwona hwe HIV/AIDS vanokurudzirwa kuti vatore mishonga yema ARV’s pachiri nenguva kuitira kuti vazvidzivirire kubva kune zvimwe zvirwere zvakaita sekuoma mutezo izvo zvinonzi zviri kubata vari kurarama nehutachiwona vakawanda.

Mumwe anoshanda veveruzhinji vanorarama nehutachiwona hweHIV/AIDS VaStanford Chimutimunzeve vakawanikwa vachipihwa rurememekedzo rwekushanda zvakanaka nevamwe munharaunda pamusangano wange uri muWashington DC muAmerica mwedzi wapfura we 2016 AIDS Clinical Trials Group Conference.

VaChimutimunzeve vanoti ongororo dzakabuda pamusangano uyu dzichabatsira pakurwiswa kweHIV/AIDS asi kurudziro yange iri yekuti vanhu vatore mishonga yavo nenguva.

"Ongororo dzakabuda kumusangano mukuru uyu ndedzekuti vanhu vanofanirwa kutora mishonga yavo pachine nguva zvisineyi nekuti masoja emuviri eCD4 count akamira seyi." VaChimutimunzeve vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, "Kutora mishonga iyi zvakanaka kunozodzivirira zvimwe zvirwere zvakadayi ne tuberculosis nezvimwewo zvinowanikwa zvichibata vanorarama nehutachiwona hweHIV/AIDS,"Va Chimutimunzeve vaudza Studio 7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaVa Stanford Chimutimunzeve