Chizvarwa cheZimbabwe Chinowana Mubairo kuMusangano We 2016 International Aids Conference

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Muzvare Martha Tholana

Musangano wemazuva mashanu weInternational Aids Conference wapera muDurban South Africa neChishanu pane kurudziro yekuti vanhu vese vane hutachiwana hweHIV/AIDS vawaniswe mukana wekukwanisa kuwana mishonga yema ARV zvisina dambudziko.

Musangano uyu wange uchiunza pamwe chete nyanzvi dzezvechirwere cheHIV/AIDS dzepasi rose kusanganisira Zimbabwe.

Nyanzvi idzi dzinosanganisira makurukota ezvehutano ehurumende dzakasiyana-siyana, masangano akazvimirira anoshanda nevane hutachiwana hweHIV/AIDS, ngochani, vanoita mabasa epabonde nevanorarama nehutachiwana vanodarika zviuru gumi nezvisere.

Mumwe weavo vange vari pamusangano uyu ndiMuzvare Martha Tholana, avo vakawana mubayiro weElizabeth Taylor Humanitarian Award 2016 kumusangano uyu.

Muzvare Tholana vanoti vakafadzwa neruremekedzo rwavakawana urwu sezvo vange vasina kurwutarisira.

"Handisati ndanyatsozvitambira kuti ndakawana mubairo uyu nekuti handizive kuti zvakafamba sei kuti ndiwanikwe ndichidomwa nekupihwa ruremekedzo rwukuru rwakadayi pamberi pepasi rose range riri pamusangano uyu," Muzvare Tholana vaudza Studio 7.

Vanoti vakawana mukana wekupihwa mubairo uyu naMuzvare Chalize Theron vanoita zvemafirimi asi vari chizvarwa cheSouth Africa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaMuzvare Martha Tholana