Sangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti riri kushushikana zvikuru nekunonoka kuri kuita hurumende kugadzirisa gakava rayo navanachiremba, izvo zvasiya zvipatara zvehurumende zvisina vanachiremba kwemazuva anoda kusvika makumi mapfumbamwe.
Sangano iri rinoti kana hurumende yakasagadzirisa gakava iri navanachiremba vari kuramwa mabasa ava, hupenyu hwevanhu vakawanda hucharamba huri munjodzi, vanhu vakwanda vachifa.
Mutauriri weZADHR, Doctor Fortune Nyamande, vanoti sesangano vari kukurudzira kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vagare pasi negurukota rezvemari pamwe nasachigaro veHealth Services Board, poiswa mari nezvikwanisiro zviri kudiwa kuti vanachiremba vadzokere kumabasa.
Hurumende yakadzi vanachiremba vanodarika mazana mashanu mabasa mushure mekunge varamba kunomira pamberi pekomiti inoranga vashandi vanenge vatsautsira.
Mutungamiri wenyika akanga ati vanachiremba ava vadzokere kubasa mukati memazuva maviri vasina mhosva yavanopomerwa asi mazuva maviri aya atopfuura pasina vanachiremba vadzokera kumabasa.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya ina Arthur Chigoriwa