VaParirenyatwa Vanoti Zvinodhaka Zviri Kuparadza Vakawanda Vechidiki

David Parirenyatwa

Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vari kukurudzidzira vabereki kuti vatarisise vana vavo zvakanyanya kuitira kuti vashandise zvinodhaka, sezvo iri rave dambudziko ranetsa munyika yose.

Dr Parirenyatwa vati vana vanochinja hunhu hwavo kana vava kuputa kana kunwa zvinodhaka, nokudarodambudziko iri inyaya huru inofanirwa kungwarirwa nevabereki zvakanyanyisa, sezvo zvinodhaka zviri kuparadza remangwana rakanaka revana ava.

Vati bazi ravo riri kuedza zvikuru kutaura nevadzidzisi muzvikoro zvemunzvimbo dzinogara veruzhinji sezvo dambudziko rezvinodhaka riri kuvhiringawo vana vari munzvimbo idzi.

Dr Parirenyatwa vati nyaya yezvinhu zvinodhaka izvi ratove dambudziko chairo zvokuti vaakutotyira kuti vechidiki ava vachazoguma vava kuputa anonzi ma “hard drugs” anenge heroine nemamwe.

Vati bazi ravo rine chirongwa chokufambira vana vechikoro vachitaura nezvekushata kwezvezvinodhaka zvinenge bronco nembanje. Dr Parirenyatwa vapa mufananidzo wechirongwa chiri kuitwa mumusha weHighfields uko kunodzidziswa vechidiki kuipa kwezvinodhaka izvi.

Dr Parirenyatwa vatirawo nukna uyu kuyambirawo vagari vari kumiganhu neSouth Africa kuti vangwarire chirwere cheListeria chinowanikwa munyama yepolony neVienna Sausages idzo dziri kugadzirwa neimwe kambani iri kuPolokwane kuSouth Africa.

Vati vanhu zana nemakumi masere vakafa kuSouth Africa mushure mokunge vadya nyama iyi asi hakuna munhu ati asangana nedambudziko iri muZimbabwe.

Dr Parirenyatwa vati bazi ravo rakaendesa vana mbuya utsanana kuBeitbridge Border Post kuti vanozivisa vanhu nezvezvirwere zvinokonzerwa nekudya nyama idzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri