Vana Chiremba veHurumende Voronga Kuramwa Mabasa Kutanga neChitatu

  • Jonga Kandemiiri

Vanachiremba vari muzvipatara zvehurumende vanoti vacharamwa mabasa kutanga nemusi weChitatu

Vamiriri vavanachiremba vemuzvipatara zvehurumende vaita musangano wechimbichimbi nemunyori mubazi rezvehutano mukutsvaga nzira dzekumisa nadzo kuramwa mabasa kwakaziviswa navanachiremba ava kuti kuchatanga svondo rino.

Mutungamiri wesangano ravanachiremba, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Edgar Munatsi, vanoti musangano uyu hauna zvikuru zvawaburitsa sezvo pasina kuwiriranwa kuti zvichemo zvavo zvingagadziriswa sei.

Nekudaro, Doctor Munatsi vanoti nhengo dzavo dzichaenderera mberi nekuramwa mabasa nemusi weChitatu sekuzivisa kwavakaita, kunyange hazvo vachiti vachapa mukana kunhaurirano nehurumende.

Vanoti hurumende iri kukundikana kugadzirisa zvinyunyuto zvavo zvikuru zvitatu zvinosanganisira nyaya yekurasikirwa nemabasa kwavanachiremba vanenge vapedza zvidzidzo.

"Pane nyaya nhatu, asi yakanyanya kukosha yacho ndeyekuti vanachiremba vaenge vapedza zvidzidzo, vachinge vapedza zvidzidzo vanofanirwa kuenda kunoshanda muzvipatara zvekumamisha. Hurumende iri kuti haichakwanisa kuvapa mabasa iwayo. havana mari yekuti vange vachipa vanachiremba muhoro, vanenge vaenda kunoshanda kunzvimbo idzodzo.

"Isusu tiri kunyunyuta kuti kana zvakadero hazvo hurumende yachidii kupa vanachiremba matsamba ekuti vashande vakazvimirira kana vasingakwanise kupiwa mabasa nehurumende." Doctor Munatsi vanodaro.

Doctor Munatsi vanoti vasvika pakutora danho iri zvichitevera zvakabuda mukunzwa pfungwa dzenhengo dzavo mumazuva mashoma adarika.

Vanachiremba vachangopedza zvidzidzo zvavo ava vanoti vari kudawo zvakare kuti mari dzekubatsirikana kana kuti 'on call allowances' dzitangire pamadhora mazana manomwe nemakumi maviri.

Vanoti vanodawo zvakare kuti Health Service Board igadzirise nyaya yavakambowirirana yekuti vanachiremba vehurumende vasabatirwa mitero.

Kana vanachiremba vakaramwa mabasa, vanenge vabatana nevehurumende yeKenya, avo vari kuramwawo mabasa kubva muna Zvita wegore rapera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Edgar Munatsi