Nyanzvi dzeHutano Dzokurudzira Veruzhinji Kuti Vasavarairwa paNhau yeCovid-19

  • Jonga Kandemiiri

Victoria Falls Covid-19 Vaccination Men

Bazi rezvehutano rakazivisa neMuvhuro kuti hapana munhu akafa nekuda kweCovid-19, uye vanhu makumi manomwe nevatanhatu vakawanikwa vaine denda iri nyika yose, vashanu vavo vari vana vechikoro mudunhu reManicaland.

Aka ndekekutanga mukati memwedzi ine chitsama kuti nyika inoshaya munhu akafa neCovid-19.

Vanhu vakawanda vakarasikirwa nehupenyu mumwedzi yaChikumi naChikunguru, inova yaive nguva yechando.

Asi nyanzvi mune zvehutano dziri kushushikana nekuderera kuri kuramba kuchiita huwandu hwevanhu vari kubayiwa nhomba yekudzvirira denda iri.

Muvhuro wakare, vanhu zviuru zvitanhatu nezana nemumwe, kana kuti 6 101, ndivo chete vakabayiwa nhomba yekutanga nyika yose, kuchitiwo vamwe zviuru gumi nemazana mashanu nemakumi maviri nevashanu kana kuti 10 525, vachibayiwa nhomba yepiri nyika yose.

Vanhu vakanga vabayiwa nhomba yekutanga nyika yose kubva zvaitanga chirongwa ichi zvachakatanga vakasvika pamamiriyoni matatu ane zviuru zana negumi nezvinomwe zvine mazana masere nemakumi mapfumbamwe nevashanu, kana kuti 3,117 895.

Vakanga vabayiwa nhomba yepiri sezvinokurudzirwa vakasvikawo pamamiriyoni maviri ane zviuru mazana matatu nemakumi maviri nezviviri zvine mazana masere nemakumi matanhatu nevaviri, kana kuti 2,322 862.

Huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 hwakaramba huri pazviuru zvina nemazana matanhatu ane makumi maviri nevanomwe, kana kuti 4 627.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Nyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa paNottingham Trent University kuBritain, Doctor Mathew Nyashanu, vanoti kuderera kwehuwandu hwevanhu vari kuenda kunobayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 kunogona kunge kuri kukonzerwa nekuvarairwa kwevanhu vachiona kuderera kuri kuita huwandu hwevanhu vari kufa kana kubatwa nedenda iri.

Doctor Nyashanu vanotiwo kuderera kwehuwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 kunogona kunge kuri kukonzerwa nezvinhu zvakati kuti, zvinosanganisira kusaenda kwevanhu kunovhenekwa, kudziya kwave kuita kunze kanawo kusimba kwemiviri yevanhu mukurwisa hutachiwana zvichitevera kubayiwa kwavakaitwa nhomba.

Asi vanoti kurudzira bazi rezvehutano pamwe nemamwe mapoka ane chekuita nezvehutano kuti varambe vachikurudzira vanhu kuti vabayiwe kuburikidza nekuwedzera dzidziso pamusoro peCovid-19.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Mathew Nyashanu