VaMudzuri veMDC-T Votarisirwa Kushanyira Dunhu reChegutu Rine Dambudziko reCholera

  • Blessing Zulu

Vanhu vanodarika makumi manomwe vanonzi vabatwa nechirwere che cholera muChegutu

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Engineer Elias Mudzuri nhasi vari kutarisirwa kushanyira dunhu reChegutu, kuMashonaland West, kuti vanozvionera vega pamhino sefodya dambudziko rechirwere che cholera, icho chinonzi chabata vanhu vanodarika makumi manomwe uye kuuraya vanhu vanosvika vana.

Kunyange hazvo bazi rezvehutano riri kuti chirwere ichi chakwanisa kudzivirirwa kuti chisapararira, Dr Fortune Nyamande vesangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights vanoti nyaya yehurumende yekuti zvipatara zvimbomira kupinza vana chiremba vanenge vapedza zvidzidzo basa iri kutopa kuti nyika izotatarika zvakanyanya kana yasangana nematambudziko ezvirwere zvakaita seche cholera ichi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande