Makereke Otsvagira Hurumende Rubatsiro Kunze kweNyika?

Reverend Kenneth Mtata vane vaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki

Sangano revatungamiri vemakereke, reZimbabwe Heads of Christian Denominations, rinoti riri kumhanyamanya kutsvakira Zimbabwe rubatsiro kubva kune dzimwe nyika, sezvo Zimbabwe yakatarisana nenguva yakaoma pakurwisa kwayo chirwere cheCovid-19.

Mutauriri we sangano iri, Reverend Kenneth Mtata, vati sangano ravo ranyorera nyika dzakawanda magwaro richidzikurudzira kuti dzibatsire Zimbabwe sezvo nyika iyi isina kuwana rubatsiro rwakakwana kuti igadzirise zvinonetsa munyika pamwe chete nekurwisa chirwere cheCovid-19.

Reverend Mtata havana kudoma nyika dzavari kukumbira rubatsiro.

Vatiwo zviri kuitwa nesangano ravo zvinoenderana nezvinangwa zvehurumende, kunyange hazvo risiri kushanda nehurumende panyaya iyi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumunyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, kuti vatipe pamire hurumende pahurongwa hwekutsvagirwa rubatsiro nemachechi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Kenneth Mtata