Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu, Chikunguru 15 2016

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaMorgan Tsvangirai vadoma VaElias Mudzuri naVaNelson Chamisa sevatevedzeri vavo.

Dzimba dzakawanda nemahofisi muChinhoyi hadzina vanhu sezvo vakawanda vavekushanda vakawanda muhofisi imwechete nekugara vakawanda mumba imwechete vachibatsirana kubhadhara mari dzemitero.

Dare reHigh Court muBulawayo rapa mutongo wekuti mapurisa haafanirwe kurambidza kuratidzira kuri kuda kuitwa neboka remadzimai eMDC T muguta iri mangwana, zvisinei kuti mapurisa ainge ati anotyira kuti kusagadzikana kwakaita zvinhu munyika kungangoita kuti kuratidzira uku kukonzere mhirizhonga.

Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yasvika pakati nepakati pegore paine mutambo urikubvira moto weCaps United neHighlanders.

Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yekudomwa kwaVaNelson chamisa naVaElias Mudzuro sevatevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kilohertz pa Short Wave.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu Chikunguru 15, 2016