Misoro yeNhau Muvhuro, Chivabvu 23, 2016

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vakawanda munyika vochema chema nekushaya mari mumabhanga.

MDC yoshora kufora kweZanu-PF nemusi weChitatu ichiti bato riri kutonga riri kupembedza munhu ari kutonga nedemo.

Chirwere chekuoma mutezo chouraya vanhu vakawanda munyika.

Vagari vekuChingwizi vanoti hurumende iri kuvabata neseri kweruoko.

Tichakupai nhau dzemitambo iriko mukupera kwesvondo.

Ko vanhu vanoti kudii nemuzukuru waVaMugabe, tichakupai nyaya iyi muchirongwa chedu.

Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yekushaikwa kwemari mumabhanga.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.

Musakanganwe kufarira FaceBook page yedu yeVOASHONA.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Chivabvu 23, 2016