Meya weHarare VaMafume Voramba Vari muHusungwa kuHarare Central Remand Prison

  • Jonga Kandemiiri

Meya veHarare VaJacob Mafume negweta ravo VaTonderai Bhatasara

Meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, vacharamba vari muhusungwa kusvika Muvhuro apo vachazoziva kana vachikwanisa kupiwa mukana wekuti vabvise mari yechibatiso, mushure mekunge nyaya yavo yatadza kupinda mudare sezvo mutongi wedare anga achifanirwa kunzwa nyaya yavo asina kuenda kudare.

Gweta raVaMafume, VaTonderai Bhatasara, vanoti mutongi anga achifanirwa kunzwa nyaya yaVaMafume, Amai Bianca Makwande, vakundikana kuuya kudare izvo zvazoita kuti mumwe mutongi wedare ramejasitiriti aendese mberi nyaya iyi kuMuvhuro.

VaMafume, avo vari kuHarare Remand Prison, vakasungwa neChitatu neboka rinorwisana nehuwori reSpecial Anti-Corruption Unit, SACU, vachipomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisizvo kuburikidza nekuwanisa hama dzavo nzvimbo dzekuvakira dzimba mumusha weWestlea muHarare makare.

Asi mumwe wevatewedzeri vemutungamiri weMDC Alliance VaTendai Biti vaudza vatori venhau kuti sebato vari kushungurudzwa zvikuru nemabatriwo ari kuitwa nyaya yaVaMafume, vachiti kubvisa mari yechibatiso ikodzero inofanirwa kupiwa kumunhu wese iri mubumbiro remitemo wenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTonderai Bhatasara