Kanzuru yeHarare inoti Yakundikana Kubvisa Vanotengesera muMigwagwa

kanzuru inoshandisa mapurisa ayo pamwe neveZRP kubvisa vanotengesera mumigwagwa

Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti kanzuru yavo iri kukundikana zvikuru kugadziurisa dambudziko revanotengesa vemumigwagwa.

VaManyenyeni vanoti kuwanira vanhu mabasa ndizvo chete zvinopedza dambudziko iri.

VaManyenyeni, avo vakapinda pachigaro chehumeya mushure mekuvhoterwa neMDC-T, vanoti huwandu hwevanhu vanotengesa zvinhu zvavo mumigwagwa huri kuramba huchikwira sezvo munyika musina mabasa.

VaManyenyeni, avo vari kusiya basa panopera temu yavo, vanotiwo kana nyika isina kugadziriswa, uye hupfumi husina kuvandudzwa, vanotengesa mumigwagwa vacharamba varimo. Vanotiwo vazhinji vavo havatodiwo kuswera mumigwagwa vachitsva nezuva.

Izvi zvinotsigirwawo nemukuru weCentre for Community Development in Zimbabwe, VaPhillip Pasirayi, avo vanotiwo kuwanda kuri kuramba kuchiita vanotengesa mumigwagwa, kuri kukonzerwa nenyaya yehurombo.

VaPasirayi vanotiwo nyika inofanirwa kuona kuti yaisa hurongwa hwakati tsvikiti hwekusimudzira varombo pamwe nekupedza huori munyika.

Kanzuru yeHarare semamwe makanzuru munyika, yakamboedza kushandisa mapurisa ekanzuru, mapurisa eZRP pamwe nemauto kubvisa vanhu vanotengesera mumigwagwa asi hazvina kubatsira.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Patricia Mudadigwa