Kanzuru yeHarare Yokurudzira Kubviswa kweZvinorwa Zvakashaniswa Musarudzo

  • Jonga Kandemiiri

VaMichael Chideme

Kanzuru yeHarare iri kukurudzira vose vakakwikwidza musarudzo dzichangopera kuitwa kuti vabvise magwaro avo ekuzvishambadza, sezvo akapedza basa rawo.

Mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, vanoti mutemo wekanzuru unoti magwaro ekushambadza kana kuti ma poster, anofanirwa kubviswa mukati memazuva mana kana sarudzo dzapera, asi vakawanda vakakwikwidza havasi kubvisa magwaro avo.

VaChideme vanoti ma ‘poster’ aya yatove tsvina mukati meguta vachiti vacharamba vachiyeuchidza vanhu ava pamwe nemapato avo kuti vaabvise pasina kunetsana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMichael Chideme