Kanzuru yeHarare Yoparura Chirongwa cheKuchenesa Guta

  • Jonga Kandemiiri

Kanzuru yeHarare inoti inotarisira kuti vemakambani, vedzisvondo, pamwe nevagari vachabatana mukuchenesa guta ravo.

Kanzuru yeguta reHarare inoti neMuvhuro iri kuparura chirongwa chekuchenesa guta icho chichaona musi weChishanu wekupedzisira mumwedzi wega wega uchisendekwa parutivi sezuva rekuchenesa guta.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru yatora danho iri kuitira kupa mukana kuvagari vese pamwe nevemabhizimusi kuti vaitewo bandiko ravo mukudzosera guta reHarare pambiri yaro yekare yekuve guta rinobwinya, kana kuti “Sun Shine City”.

VaChideme vanoti kuburikidza nechirongwa ichi, vagari pamwe nevashandi mumakambani akasiyanasiyana vanenge vachitarisirwa kubata mitsvairo pazuva iri vachichenesa misha yavo pamwe nenzvimbo dzavanogara, vachitiwo kanzuru yavo ichaonawo kuti yatakura marara ose anenge aunganidzwa nevanhu munzvimbo dzavo.

Guta reKigali rekuRwanda rine mukurumbira wekuve guta rakachenesesa muAfrica yose kuburikidza nechirongwa chakaparurwa nenyika iyi muna 2009 chinonzi “Umuganda.”

Chirongwa ichi chinonzi chinomanikidza zvizvarwa zvenyika iyi, kusanganisira mutungamiri wenyika nemakurukota ake, kuchenesa nzvimbo dzavagere musi weMugovera wekupedzisira mumwedzi woga woga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMichael Chideme