Kanzuru yeHarare Yotsvaga Rubatsiro RweKutakurwa kweMarara Kune Veruzhinji neMakambani

Vakafanobata chigaro chameya veHarare, VaStewart Mutizwa .

Kanzuru yeHarare neMuvhuro yakaburitsa gwaro rekukumbira rubatsiro kune vemakambani pamwe nevagari kuti ibatsirwe kugadzirisa motokari dzayo pamwe nemichina zvinoshandiswa mukutakura pamwe nekuraswa kwemarara muguta iri.

Vakafanobata chigaro chameya veguta reHarare, VaStewart Mutizwa, vanoti kanzuru yavo yakatora danho iri mushure mekuona kuti yoga haingakwanise kubvisa marara munzvimbo dzose dziri kuunganidzwa marara mukati meguta pamwe nemumisha inogara vanhu nechikonzero chekuti motokari dazvo zhinji dzakafa.

Vanoti vari kukumbira kuti vabatsirwe nechero chinokwanisa kuita kutimarara atakurwe uyewo kuti motokari dzavo nemichina zvigadzirwe zvakare.

VaMutizwa vanoti yavo kanzuru ine mari inodarika mabhiriyoni manomwe emadhora emunyika iri muvanhu, makambani pamwe nehurumende, iyo vanoti dai vakwanisa kuiwana yairerutsa ndima mukumutsiridza motokari dzekanzuru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaStewart Mutizwa