Hurumende Yoyambirwa Kusadhinda Mari Itsva Yakawandisa

  • Blessing Zulu

Hurumende inoyambirwa kuti isadhinda mari yemapepa yakawandisa

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti danho rebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rekuti riri kuda kudhinda imwe mari yemadhora makumi mashanu yemunyika kana kuti ZW$50, rakanaka chose.

Asi Muzvinafundo Mugano vanoti hurumende haifanire kubva yadhinda mari yakawandisa nekuti zvinogona kukonzera matambudziko ekushaya simba kwemari iyi.

Mumamshoko avo kuvatori venhau, gavhuna weRBZ, Doctor John Mangudya, vanoti vari kuita izvi senzira yekurerutsira vanhu vave kunetsekana nekufamba nemari yakawandisa kwenguva zhinji.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano