Hurumende Yokurudzirwa Kutaura neIzwi Rimwe Chete paNyaya yeCovid-19

  • Blessing Zulu

VaEmmerson Mnangagwa

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzehutano, reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti zvakakosha kuti hurumende itaure nezwi rimwe chete panyaya yekubayiwa kwevanhu nhomba yeCovid-19 uye kuti inopinda munyika riini.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nemutevedzeri vavo, uye ari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, vakazivisa nyika nezuro, China, kuti vanhu vachabayiwa nhomba iyi pachena sezviri kuitwa kune nyika dzakawanda.

Izvi zvinotevera mashoko anopesana ainge ataurwa negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, avo vakamboti vanhu vachabhadhariswa mari yenhomba, asi vakazobuda vachiti vatori venhau vainge vasina kubata mashoko avo nemazvo.

Kunyange hazvo VaNcube vakabuda vachipikisa zvainge zvaburitswa nesangano enhau, pane vhidhiyo iri kuburitsa VaNcube mbune vachiti mushonga uyu uchange uchitengeswa.

Asi VaNcube vakazoti nhomba iyi ichapihwa vainoida pachena.

Izvi ndizvo zviri kunzi naVaRusike hurumende inofanirwa kutaura neizwi rimwe chete zvikuru panyaya yakakosha kudai.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaItai Rusike