VaKazembe Kazembe Vanoyambira VaSikhala naVaKasukuwere

  • Blessing Zulu

Minister Kazembe Kazembe

Gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, vakaramba nezuro kuti pane vanhu vari kuda kupidigura hurumende nechisimba.

Asi Kazembe vakatora mukana uyu kuyambira vaimbove gurukota muhurumende yaVaRobert Mugabe, VaSaviour Kasukuwere, avo vari muhupoteri, pamwe nemutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, kuti vasafambe vachitaura mashoko enhema.

VaKazembe vakatiwo pane hurumende dzekunze dziri kukonzera kusagadzikana munyika.

VaSikhala vati vachapindura mashoko aya nhasi, asi hatina kukwanisa kubata VaKasukuwere panharembozha yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

VaKazembe Kazembe Vanotaura neVatori Venhau

Vachitaurawo kumuzinda webato ravo pamusangano wePolitburo, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati pane vanhu vari kuda kukonzera kusagadzikana munyika nekusvibisa zita renyika uye kukanganisa hupfumi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoey Mabenge