MDC-T Inoti Haipinde Misangano yePOLAD.

  • Jonga Kandemiiri
    Blessing Zulu

President Emmerson Mnangagwa

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vakazivisa nezuro kuti musangano wevatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika vakakwikwidza musarudzo dzemuna 2018 vari mugungano rePolitical Actors’ Dialogue, kana kuti POLAD, vari kusangana nhasi vachishandisa dandemutande.

VaMangwana, avo tatadza kubata kuti tinzwe zvizhinji, havana kutaura kuti chii chikuru chichakurukurwa mumusangano uyu.

Asi musangano uyu uri kuuya panguva iyo vanhu vakawanda kusanganisira mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vemakereke pamwe nevanhuwo zvavo, vari kukurudzira kuti munyika muitwe nhaurirano dzinopindwa nemapoka ose senzira yekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Chipangamazano chezvehupfumi mubato reMDC-T uye vari mubato wehomwe, Doctor Tapiwa Mashakada, vanoti bato ravo harineyi nechekuita nePOLAD sezvo riri sangano revatungamiri wemapato vakakwikwidza musarudzo dza 2018. Vakambofanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vaipinda misangani yePOLAD.

Studio7 haina kukwanisa kubzwa divi raMuzvare Khupe.

Asi VaMashakada vanoti VaMwonzora havana kukwikwidza muna 2018, nekudaro havasi mugungano iri. Ngatinzweyi hurukuro yavaita naJonga Kandemiiri weStudio 7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTapiwa Mashakada

Asi mutauriri weNational Constitutional Assembly, VaMaddock Chivasa, vanoti mutungamiri webato ravo, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vari kupinda mumusangano uyu. Ngatinzweyi hurukuro yavaita naBlessing Zulu weStudio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMaddock Chivasa