MDC Alliance Inoti Inotambira Hurongwa hweKuferefeta Kuvakwa kweDzimba Munzvimbo Dzisingabvumidzwe

  • Jonga Kandemiiri

Dzimba zhinji dzinonzi dziri kuvakwa pasingabvumidzwi

Munyori anoona nezvekutongwa kwematunhu mubato rinopikisa reMDC Alliance, VaSesil Zvidzai, vanoti bato ravo rinotambira nemufaro mukuru hurongwa hwehurumende hwekuumba komiti ichange ichishanda nemapazi ehurumende, nemamwe mapoka kuitira kuti arwisane nekukwira kwenyaya dzekugariswa kwevanhu munzvimbo dzisingabvumirwe.

Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, nemusi weChipiri vachiti komiti iyi ichafumura munhu wese ane chekuita nenyaya yehuwori mukugariswa kwevanhu iyi, uye vachatongwa zvakakodzera zvisineyi nekuti vakamira papi muhupenyu uye vabva kubato ripi.

VaZvidzai, avo vakamboita mutevedzeri wegurukota rezvekutongwa kwematunhu muhurumende yemubatanidzwa, vanoti bato ravo rakagara riine chirongwa cheSMART LOCAL GOVERNANCE, chavanoti chakafanana nechave kuteverwa nehurumende pari zvino ichi.

Asi VaZvidzai vanoti vachada kuzoona kuti vachabatwa vaine chekuita nekupiwa kwevanhu nzvimbo pasingabvumirwi vachatongwa zvakadii vachiti hurumende inozivikanwa nekuregerera vanenge vawanikwa vaine mhosva kana vachinge vari nhengo dzeZanu PF.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF, sezvo mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vanga vasingabatike panharembozha yavo pataenda pamhepo.

Ngatinzweyi VaZvidzai vachitaura muhurukuro yavaita naJonga Kandemiiri weStudio7

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSesil Zvidzai