Hurumende Inoti Mutemo we‘Level 4 Lockdown’ Uchamboramba Uripo

  • Jonga Kandemiiri

Amai Monica Mutsvangwa

Dare remakurukota rakasunga nezuro kuti mutemo wekudzivirira kupararira kweCovid-19, weLevel 4 Lockdown, urambe uripo sezvo huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19 huri kuramba huchikwira.

Izvi zvakaziviswa nezuro negurukota rezvekufambiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, mushure memusangano wemakurukota.

Izvi zviri kuuya panguva iyo South Africa yakanyevenutsa mutemo uyu, kubva pa Level 4 kuenda paLevel 3, ichiti kupararira kwedenda reCovid-19 kwakanga kwadzikira munyika iyi.

Dare iri rinonzi rakapasisawo zvakare chikumbiro cheboka rezvekushanyirwa kwenyika chekuti miganho yenyika yeVictoria Falls neKazungula inge ichivhurirwa vashanyi vakabaiwa nhomba dzose dzekudzivirira Covid-19.

Danho iri rinonzi rakatorwa mushure mekuona kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana (30%) zvevagari vemuVictoria Falls zvakabaiwa nhomba yekudzivirira kubatwa neCovid-19.

Nyanzvi mune zvehutano, vachidzidzisa paNottingham Trent University, Doctor Mathew Nyashanu, vanoti idanho rakanaka rekuti nyika irambe iri paLevel 4 Lockdown, asi vachiti hurumende inofanirwawo kuona kuti ingaita sei kune vanhu vakabaiwa nhomba dzose asi vari kutadza kuita mabasa avo nekuda kwemutemo uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Mathew Nyashanu