Hurumende Inotadza Kuwirirrana neVashandi Vayo

  • Thomas Chiripasi

Vadzidzidzisi nevamwe vanoshandira hurumende vanoti zvichemo zvavo zvinzwikwe.

Hurumende yatadza kuwirirana nevashandi vayo panyaya yemari dzemihoro zvichitevera musangangano waitwa nhasi pasi pegungano reNational Joint Negotiating Council, NJNC.

Musangano waitwa uyu hauna chawabuda nacho sezvo vashandi varamba kutambira zvikamu gumi kubva muzana zvavanga vapihwa nehurumende vachiti zvikamu izvi idonhwe mugungwa.

Mutevedzeri wemunyori mukuru muApex Council, VaGibson Mushangu, vaudza Studio 7 mushure memusangano uyu kuti paita gakava rakakomba pakati pavo nehurumende mumusangano uyu.

VaMushangu vati hurumende yanga yavapawo mari inoita mamiyoni zana nemakumi matanhatu emadhora ekuti vagovane sevashandi kubva muna Kurume kusvika muna Zvita wegore rino.

VaMushangu vati vachagara pasi mangwana semasangano ese anomirira vashandi vehurumende voona kuti votora gwara ripi vachiti vacharamwa mabasa kana mazuva akatarwa pamutemo kuti vazivise mushandirwi nezvekuda kuramwa mabasa akwana.

Vanga vachitungamira chikwata chehurumende, VaSimon Masanga, vaudza Studio 7 kuti homwe yehurumende yakabooka zvekuti havakwanise kubhadhara vashandi vehurumende nemadhora ekuAmerica sezvavari kuda.

Zvichakadai, mutungamiri werimwe remasangano anomirira vadzidzisi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati hurumende iri kuita dambe nevashandi vayo zvichitevera zvaiswa patafura nehurumende.

Vakafanobata chigaro chegurukota rinoona nezvevashandi, VaJuly Moyo, pamwechete negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanga vasiko kumusangano weNJNC uyu uye nharembozha dzavo dzanga dzsingapindi pataenda pamhepo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi