Amai Mutsvangwa Vanoti Vanofara neBasa Riri Kuitwa kuChimanimani neChipinge

Information Minister Monica Mutsvangwa At Ministerial Briefing

Hurumende inoti iri kufara zvikuru nerubatsiro rwuri kupihwa vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu nedutumupengo reCyclone Idai mumatunhu eManicaland neMasvingo.

Hurumende inoti rubatsiro urwu rwuri kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika nekunze kwenyika, pamwe nemasangano anobatsira pasi rose.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvanga, vanoti basa rekubatsira vanhu kuChimanimani neChipinge riri kuenderera mberi uko hurumende iri kushanda nemapazi ayo, pamwe nemasangano anobatsira mukuona kuti vanhu vanoda rubatsiro, vari kurwuwana nenguva inokodzera.

Amai Mutsvangwa, avo vati vanogara vakashanyira matunhu akavhiringwa neCyclone Idai, vati pari zvino hurumende iri kushanda zvakasimba mukuona kuti vana vechikoro vadzokera kuzvikoro pazvinovhurwa mwedzi unouya.

Amai Mutsvangwa vatiwo pane nzvimbo dzakaonekwa kuti hadzikodzeri kunge dziine zvikoro, nokudaro zvikoro izvi zvichaiswa munzvimbo dzinokodzera.

Vatiwo kusvika pari zvino, vanhu vafa vazivikanwa vanosvika mazana matatu nemakumi mana nevana, uye vanhu mazana maviri nemakumi mashanu nevanomwe, havasi kuzivikanwa kuti varipi.

Dutumupengo reCyclone Idai rakarova matunhu eManicaland neMasvingo mwedzi wapera rikasiya zvikoro, zvipatara, dzimba, mabhiriji, nemigwagwa zvaparadzwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Monica Mutsvangwa